09/06/2026
Ndine nyaya yaDavid inondiitira zvakanaka. Paakadzoka kuZiklag akawana zvinhu zvese zvaparadzwa. Akachema kusvika apererwa nesimba, asi haana kurega.
Pakati pekusuwa kwake, akatendeukira kuna Mwari akabvunza kuti, Ndidzingirire here?
Mwari vakamupindura vachiti, "Dzingirira, nokuti uchabata uye uchadzorera zvese.
Dzimwe nguva mvura dzeupenyu dzinovava, hupenyu hunotisvitsa panzvimbo yekuneta, kuora mwoyo uye kushaya tariro. Asi nyaya yaDavid inondiyeuchidza kuti kana tikaramba tichitsvaga Mwari, vanotipa simba, gwara uye kukunda.Ramba uchidzingirira zviroto zvako unokunda
"David inquired of the Lord, saying, 'Shall I pursue this raiding party? Will I overtake them?' The Lord answered him, 'Pursue, for you shall surely overtake them.