30/04/2024
Maswera sei mhuri yekutenda kuna Jesu
*Who is to blame for AMA2000?*
Kutaura kuno izvozvi pane mubereki akatosurrender pamusoro pehunhu hwemwana wake.
Akatogamuchira kuti vana vemazuvaano ndizvo zvavari. Anototi kuedza kuvatsiura kana kuvadzoreredza kupedza nguva🤔
*Ndiani anonzi ama2000?* 🤔
Ama2000 ndivo vana vatakabereka makore ekuma2000 zvichienda mberi.
Havana zvinoera vazhinji vavo.
Vanoda zvakapfava.
Respect nevakuru havana.
Vanogona kudanana chero nehama, chero nemunhu ari more than twice their age.
Vanoshandisa zvinodhaka big time.
*But vakabvepi ama2000?* 😞
Ama2000 mwana wako.
Ihanzvadzi yako.
Munin'ina wako.
Muzukuru wako.
Muramu wako.
Ama2000 ibasa rakashandwa neni newe.
Paye pataiti "Handidi kuti vana vangu vaone nhamo yandakaona."
Paya patakawirirana kuti mwana haarohwe, anotaurwa naye zvakanaka.
Patakawirirana kuti tose baba namai tiende kunongwavha tichisiya vana vega or nemusikana webasa.
Ama2000 vakajaira kuti chavachemera chose vanochiwana.
Ama2000 anopindura zvaanoda kumubereki asingatombotye, ende vabereki vacho vakazvitambira.
Ama2000 havakumbire zvinhu, but they demand. Ende vanopiwa without saying "thank you."
Vabereki vavo vanotya kuvabvunza school report book, kana kwavaswera.
Vanotya kuvarambidza bad friends, bad clothes and evil places.
Vabereki veama 2000 vanokumbira ruregerero kana vatadza kupa mwana zvaanoda even vasina mari yacho. Kutopinda zvikwereti kuti vagone kufadza mwana.
Saka hazvishamisi kuti vana vazhinji paAma2000 imbodza pazvese. Mbodza haizvibike yega. Pane anoibika.
Iye zvino zvinenge zvese zvakashata munyika zviri kuwedzera at a very fast rate ende hana dzevazhinji hadzicharove, tazvijaira.
Mubereki wese, zvibvunze mibvunzo iyi. Pamhinduro dzako uchaona wega kuti une chekuita nekuora kwaita hunhu hwevana munyika. Ndosaka ndati "Stop blaming ama2000" because chaunodyara ndicho chaunokohwa.
Shoko raMwari rinoti ukadyara mhepo unokohwa chamupupuri *(Hosea 8:7).*
1. Hembe dzinopfekwa nemwana wako dzinoratidza chii paanofamba?
2. Muphone yemwana wako mune music nemavideo akaita sei?
3. Mwana wako anopinda mumba nguvai?
4. Anotamba naana ani? Vachiita nezvei?
5. Iwe pachako semubereki, uri kupa muenzaniso wakaita sei kuvana vako?
Uyo anetsa nekuba, nekuita upfambi nekudhakwa muraini anobuda mumba maani uyo?🧐
Zvese izvi zviri kuzadzisa Shoko rechiporofita pamusoro pemazuva ano ekupedzisira👇🏽👇🏽
*Ruka 23:28* Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;
*29* nokuti tarirai mazuva anovuya, avachati: Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisinakutongobereka, namazamu asina kumwisa. Shalom.
COPIED