10/09/2026
Murisei auntie Essie.
Macousin ndiri mukadzi ane 26 yrs .ndakakura ndichichengetwa nambuya amai vakazvara mhamha vangu. Kutaura kwazvinoitwa amai vangu vakaita zvekumbunyikidzwa vachibva kuchikoro ndokunyarara zvavo .mbuya vanoti takazoona nhumbu yatokura kusvika vazvare.vachindizvara Havana kana kuita hanya neni vaisandida .ndakakura ndichiti mhamha Kuna ambuya vangu. Ivo vaitouya ndichivati sis ASI vaisaita shungu neni.zvisinei ndakura ndakawanikwa pandaida kubvisirwa ambuya vangu ndipo vakandiudza zvese vakati amai vako vanofanirwa kuvepo.ndakazvibata neshungu marooro akapera .vakapiwa zvinhu zvavo. Pakuroorwa kwangu kwainzi amai vangu vakashaya Ivo ndivo vakakura vachindichengeta. Now vakunditsvaga vanoda kushanya kumba kwangu nekundiudza nhamo dzavo.asi vakatadza kundigamuchira pavakandizvara even murume wavo havazive kuti ndiri mwana wake. Muvhunzo wangu pandakaroorwa paisava nevedzinza rangu nekuti kunonzi munhu akawabata vaisamuziva hazvina zvazvinokanganisa here muupenyu hwangu.or mbuya naamai vangu vane chokwadi chavahwandisa.or ndiri mwana wasekuru or hanzvadzi yamai .munhu ungabatwa nemunhu woti handimuzive