Auntie Essie Moffs

Auntie Essie Moffs A child of God πŸ™ fueled by faith. passion to motivate and inspire others. Empower others to reach their full potential.
(3)

Spreading hope, love and positivity where ever I go. Let's journey together rooted in faith,driven by purpose and inspired by GodπŸ™πŸ™

Morning Auntie Essie Macousin ndine munhu wandaidanana naye  zvekuchikoro zviya kusecondary. takazosiyana  because of ku...
06/06/2026

Morning Auntie Essie
Macousin ndine munhu wandaidanana naye zvekuchikoro zviya kusecondary. takazosiyana because of kuchinja nzvimbo dzekugara.tichiri kudanana takaita zviya zvekubayana netsono pachigunwe iye akananzva ropa rangu ini ndikananzvavo rake. Tikazoenda kumwe kwatakaenda kunobatsirwa hedu tikaitirwa zvainzi kubatanidzwa tikabikirwa porridge tikadyisana nekunwa mvura yaive mumbiya. mubatsiri uyu akatotaura kuti imi hamufe makasiyana.so ini nehudiki ndaingoti haiwawo I didn't take it seriously. Ndichipedza form 4,ndakaenda kwandakaenda and we lost communication.Ndakanoita zvandakaita ikoko ndikaita mwana the baby dad vakaroora but dambudziko ndaisamuda that relationship it didn't work at all. Having a baby it was an accident .Hama tried to fix the relationship zvakaramba..boom tazoonana on social media nemunhu wangu uya we started talking .akati huya I'm still waiting for you.ndakamuudza what happened to me kuti ndine mwana .akati dzoka urimukadzi wangu, he also told me kuti he tried kuroora but airasiswavo nevaskana. He is saying he is ready to pay lobola.apa vabereki nehama vakatsamwa kuti ndakaramba baba vemwana akaroora pasina zvikonzero zvinobatika.. kuonana kwatakaita neuyu tinowirana rudo ruchitsva mwana wangu anomuda everything is fine.tamira kuti vabereki vachati chiii Abt him paying lobola .iye he is ready kuroora.so muvhunzo wangu woti.
1)zvatakaita zveropa ndizvo zvingadai zvishanda here? .ini ndakangoita ndichiti ndirikufadza umwe wangu ndisingazive zviri mberi.
2)kumasowe kwatakaenda is it also contributing . ?
3) ndipeiwo mazano macousin angu .baba vemwana truly speaking mumoyo mangu havamo ndaiti tirikutamba zvikaenda nepamwe

Hie auntie Essie.Amwene varamba chikafu vati vanoda musana wehukuMacousin ndashanyirwa naamwene vangu vachibva kumusha  ...
05/06/2026

Hie auntie Essie.
Amwene varamba chikafu vati vanoda musana wehuku
Macousin ndashanyirwa naamwene vangu vachibva kumusha .ndokutobata huku yangu yechibhoi kwakubika chikafu chemasikati .ndokupa amai chikafu . macousin ndatukwa ndaudziwa nhasi zvanzi hauna kurairwa musana uripi wehuku .ndikati amai ndafunga kuti hauna nyama ndosaka ndaisa mapiece anenyama ,handina kuziva munouda ndaudziwa shame . izvezvi Havana kudya vamiririra mwana wavo kuti asvike kubva kubasa .
Nhai zvinoera here vΓ kasadya musana.
Zvirikowo here kwenyu macousin.
Pane chakashata here pandiro yangu iyo kupa vamwene..πŸ’”πŸ’”

Hie auntie Essie..I am a married man  ndinoshandira kunze kwenyika ,mhuri yangu ichigara kumusha.ndakadzoka kumusha ndak...
05/06/2026

Hie auntie Essie..
I am a married man ndinoshandira kunze kwenyika ,mhuri yangu ichigara kumusha.ndakadzoka kumusha ndakawana mukadzi wangu achirwara .ndakamutora kuenda naye kuchipatara akanoitwa matest akasiyana siyana.akawanikwa aine chirwere HIV positive uye ane mimba ine 4 moths.Ini ndakaongororwawo ndikawanikwa ndisina chirwere.mukadzi wangu akatanga kuchema achiti chokwadi ndashungurudzwa nemaspiritual husband .asvika pakundipa chirwere nenhumbu. .ini semurume ndatadza kuzvigamuchira. I'm heartbroken ndapererwa πŸ’”πŸ’”
1)zviriko here kuti spiritual husband inopa munhu mimba nechirwere.
Kana kuti munhu aifadaya zvake . ndipeiwo mazano hama dzangu.
.

Auntie Essie murisei.Hama dzangu ndakaunzirwa mwana mucheche anenge 2 or 3 mths mumba zvikanzi sarudza zvaunoda marriage...
04/06/2026

Auntie Essie murisei.
Hama dzangu ndakaunzirwa mwana mucheche anenge 2 or 3 mths mumba zvikanzi sarudza zvaunoda marriage yako or kuenda ndotora mai vemwana vouya mumba. Mwana uyu mai vacho ndakatombovatsiura .munhu uyu anotondiziva apa ndinewo mwana mucheche ane 6mths. Akarara muspare nemwana wake handina kumbomubata ini kana kutarisa. Nhasi vamukira kubuda naye handizive kwaendwa ndoita sei hama dzangu ndapererwa .munhu uyu akandishaisa rugare mumba mangu kusvika pakuzvara mwana chokwadi.😭😭😭 . handizive chamutadzisa kuchengeta mwana wake chii .kutondifonera achiti chengeta evidence yemabasa emurume wako .weduwee .ndine vana 3 varikuprimary nemucheche ane 6 moths .vakadzi moyo maisakupi chokwadi

Murisei auntie Essie.πŸ’”πŸ’”πŸ’”πŸ’”Ndokumbirawo mundiisirewo nyaya yangu Kuma cousin  ndiri mukadzi ane 26 yrs .ndanga ndakaroorwa...
04/06/2026

Murisei auntie Essie.
πŸ’”πŸ’”πŸ’”πŸ’”
Ndokumbirawo mundiisirewo nyaya yangu Kuma cousin ndiri mukadzi ane 26 yrs .ndanga ndakaroorwa ndikazvara mwana ane dambudziko rekuungana mvura mumusoro uchikura rinonzi (hydrocephalus) ndaitowe ndakaroorwa zvakanaka chaizvo.pamusha pandakaroorwa paisawa nevabereki vaive vakashaya kare.pandakaroorwa ndakatambirwa nana maiguru vakadzi vemadzikoma emurume. Rimwe zuva amaiguru vakuru vakaudza murume wangu wangu kuti bamunin dambudziko rine mwana hamurigone maita mudiki dzoserai mukadzi kumba kwavo .mashoko aya vakataura ndiripo ndichitonzwa . Chokwadi ndakadzoserwa kumba kwedu nekuti ndakazvara mwana ane condition yaanayo nekubudikidza kwamaiguru Mai Ellen.Gore ratokwana ndichikwira nekudzika ndega nemwana. Kwamuri baba vemwana Mwari vakuitirei zvakanaka makatendera umwe mukadzi kuti akuudzei zvekuita.😭😭😭😭😭 Handizive imhosva yangu here yakaita ndizvare mwana ane condition.

Hie auntie Essie how are you.πŸ“πŸ“πŸ“πŸ“Macousin baba vangu vakaita tsaona vakatyoka gumbo nemusana havachagona kufamba  zvavan...
03/06/2026

Hie auntie Essie how are you.πŸ“πŸ“πŸ“πŸ“
Macousin baba vangu vakaita tsaona vakatyoka gumbo nemusana havachagona kufamba zvavane 3yrs zvaitika. Takazvarwa tiri 3 ,ini ndini mukomana wekutanga.ndine masisters angu 2.Ndinorwadziva nezvandirikuona amai vangu vachiita. amai vanounza varume pamba vakasiyana siyana .baba vangu vanenge varipo vangori mubedroom mavo havafambe vanoita zvekusimudzwa .Ini ndinongotarisa handivhunze but zvirikundirwadza .vakasvika pakutsvaga mubatsiri anochengeta baba Ivo vachiita zvemafaro. Vakatobuda mubedroom kurara kuroom yekunze kuitira zvinhu zvavo izvozvo.semwana zvinondiremera kuzvitaura ,baba vangu Havana chavarikuziva . Chinondirwadza baba vapenyu ,dai vakafa zvainzwisisika , ndirikurwadziwa nezvirikuita amai vangu .ndovatsiura sei amai .ndotangira papi.ndipeiwo mazano hama dzangu .

Hie auntie Essie murisei.Ndirimukadzi ane 28 yrs. Ndauyawo kwamuri ndotsvagawo mazano. ini ndakabatwa nasekuru hanzvadzi...
02/06/2026

Hie auntie Essie murisei.
Ndirimukadzi ane 28 yrs. Ndauyawo kwamuri ndotsvagawo mazano. ini ndakabatwa nasekuru hanzvadzi yaamai vangu gotwe Mumba maamai vangu.sekuru taigara navo pamba pedu . Ndaive ndine 14 yrs ndichibva ndaita pamuviri .ndakaudza amai vakati nyarara usataure unoda sekuru vasungwe here? Amai vangu vakazama zvose kuti vaibvise yakaramba. Baba vangu vaishandira kune rimwe guta pavakauya vakazvinzwa ndakarohwa sendichafa amai vakati ndisataure. Baba ndakavati mukomana wekuchikoro.ndakagara pamba baba vangu vakandiramwa kuti ndirinzenza vakati Havana chavachaita pandiri . Amai vangu vaingonditi ukazvitaura chete ndiri kurongedza ndoenda kumusha kwangu .Mumoyo mangu ndinebundu rinondirwadza pavana vababa vangu vese vakaenda kuchikoro vanozvishandira vane upenyu hwavo hwakanaka.ini ndakagurisirwa munzira kusiri kuda kwangu.😭😭😭. sekuru ava vakatoroora vagere zvakanaka nemhuri yavo.ini ndirikutambura zvese nemwana wandakazvara .baba ndakambozama kuti ndigare navo pasi ndivaonese vanondituka zvinorwadza ndinombofunga kuti ndizviuraye nemwana uyu ndizorore zvangu ..handivhumidzwe kana kubuda pamba .hama dzababa dzakatsamwa kuti ndakavanyadzisa .ndoudzawo ani achandinzwa kutaura kwangu .ndiyani angandibatsirawo nekuti sekuru ava havatodi kunzwa nezvangu.iko zvino ndafunga kuzvitaura kana vachindiuraya ngawauraye zvavo ndirikurwadziwa 😭😭😭 .mwana wacho handina rudo naye nekuti ndinemaronda . Ndibatsireiwo vehama

Hallo hallo my darlings . murisei Macousin angu . kurisei kwamuri .chirisei chando kwamuri. Kune vakambotaura neni vaits...
31/05/2026

Hallo hallo my darlings . murisei Macousin angu . kurisei kwamuri .chirisei chando kwamuri. Kune vakambotaura neni vaitsvaga please can you get in touch with me ndine shiri dzandinadzo dziri kuda kuwaka misha . TITENDEEE NHAIIIII πŸ™πŸ™

Hie auntie Essie Macousin munoitongawo sei worwara woenda kuchipatara wosvika wobatsirwa  wodzoka kumba .zvoita worse ku...
30/05/2026

Hie auntie Essie
Macousin munoitongawo sei worwara woenda kuchipatara wosvika wobatsirwa wodzoka kumba .zvoita worse kumba kuya wodzoka kuchipatara woona chiremba , chiremba okuudza kuti makapiwa wrong medication . Honai zvaita skin yangu muviri wese hama dzangu. Mukoti akangoti sry ndakaita mistake

Maswera macousin.Huyai pano timbokurukure ,nditenderei ndimbobuda musaga nhasi .hanzvadzi dzangu chii chaizvo chanetsa ....
29/05/2026

Maswera macousin.
Huyai pano timbokurukure ,nditenderei ndimbobuda musaga nhasi .hanzvadzi dzangu chii chaizvo chanetsa . Ndine vanhu vakawanda chaizvo varikuuya kuinbox yangu vachiti Auntie Essie titsvagireiwo masugar mama🀣🀣 musadaro vana bhudhi .kuda zvakapfava here .muchisiya vezera renyu . Wazhinji vacho munemhuri uuuum ndipeiwo muono wenyu .tichitandara TITENDEEE NHAIIIII.

Address

Gaborone

Telephone

+26771654644

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Auntie Essie Moffs posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share